Mark 6

Jesu anoshovorwa paNazareta

1Zvino wakabvapo, akasvika kunyika yekwake; vadzidzi vake vakamutevera. 2Zvino rava sabata, akatanga kudzidzisa musinagoge; vazhinji vakamunzwa, vakashamisika vachiti: Izvi zvinobvepi kwaari? Injere dzipi dzakapiwa kwaari, kuti nemabasa esimba akadai anoitwa nemaoko ake? 3Uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nemukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye. 4Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, kunze kwemunyika yekwake, nepakati pehama, nemumba make. 5Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kwekuti wakaisa maoko pamusoro pevairwara vashoma, akaporesa. 6Akashamisika nekusatenda kwavo. Uye akapota-pota nemisha achidzidzisa.

Vanegumi nevaviri vanotumwa kunoparidza nekuporesa

7Zvino wakadanira kwaari vanegumi nevaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina. 8Akavaraira kuti varege kutora chinhu cherwendo kunze kwemudonzvo chete; kwete chikwama, kwete chingwa, kwete mari mubhanhire. 9Asi vapfeke manyatera, varege kupfeka nguvo refu mbiri. 10Zvino akati kwavari: Pese pamunopinda mumba, mugaremo kusvikira muchibvapo. 11Asi vese vasingakugamuchiriyi kana kukunzwai, kana muchibvapo, zuzai guruva riri pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma kana Gomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro. 12Vakati vabuda, vakaparidza kuti vatendeuke; 13zvino vakabudisa madhimoni mazhinji, vakazodza nemafuta vazhinji vairwara, vachiporesa.

Kuurawa kwaJohwani Mubhabhatidzi

14Mambo Herodhe ndokuzvinzwa, nokuti zita rake rakava pachena, akati: Johwani anobhabhatidza akamutswa kubva kuvakafa, naizvozvo masimba anobata maari. 15Vamwe vakati: NdiEria; nevamwe vakati: Muporofita, kana wakaita seumwe wevaporofita. 16Asi Herodhe wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro; iye wamuka kubva kuvakafa.

17Nokuti Herodhe pachake wakange atuma vanhu akabata Johwani, akamusunga mutirongo nekuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munin'ina wake; nokuti Herodhe wakange amuwana. 18Nokuti Johwani wakange ati kuna Herodhe: Hauna kutenderwa kuti uve nemukadzi wemunin'ina wako. 19Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuuraya, asi wakakonewa; 20nokuti Herodhe aitya Johwani, achiziva kuti murume wakarurama, mutsvene, akamuchengetedza. Zvino paakamunzwa akaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nemufaro.

21Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rekuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake nevatungamiriri vezvuru nevatungamiriri veGarirea, 22zvino mukunda waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhe nevakange vagere pakudya naye; mambo akati kumusikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda ndigokupa. 23Zvino akamupikira achiti: Chero chipi chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yeushe hwangu. 24Akabuda akati kuna mai vake: Ndichakumbirei? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi. 25Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani Mubhabhatidzi. 26Mambo akashungurudzika zvikuru, asi nekuda kwemhiko, nekwevakange vagere naye pakudya, wakange asingadi kumurambira. 27Pakarepo mambo akatuma muurai, akaraira kuti musoro wake uuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo, 28akauya nemusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake. 29Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiisa muguva.

Vanezvuru zvishanu vanopiwa kudya naJesu

30Zvino vaapositori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvese, nezvavakange vaita, nezvavakange vadzidzisa. 31Akati kwavari: Uyai imwi pachenyu mega kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma. Nokuti vaiva vazhinji vaiuya nekuenda, vakasava nemukana kunyange wekudya. 32Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje vari vega. 33Zvaunga zvikavaona vachienda, uye vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako pamwe chete netsoka vachibva pamaguta ese, vakavatangira, vakasangana kwaari.

34Zvino Jesu wakati achibuda, akaona chaunga chikuru, ndokuvanzwira tsitsi, nokuti vakange vakaita semakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.

35Zvino nguva yakati yaenda zvikuru, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati: Iyi inzvimbo yerenje, uye nguva yatoenda; 36varegei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemisha vanozvitengera zvingwa; nokuti havana chavangadya. 37Akapindura akati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here tinotenga zvingwa zvemadhenario* mazana maviri, tivape vadye? 38Akati kwavari: Mune zvingwa zvingani? Endai munoona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri. 39Zvino akavaraira kuti vavagarise vese pasi nemapoka-mapoka pauswa unyoro. 40Zvino vakagara pasi nemapoka-mapoka nemazana uye nemakumi mashanu. 41Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazvigadzike pamberi pavo; nehove mbiri akavagovera vese. 42Zvino vakadya vese, vakaguta. 43Vakanunga matengu gumi nemaviri azere nezvimedu, nezvehove. 44Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu.

Jesu anofamba pamusoro pemvura

45Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achirega chaunga chichienda. 46Akati avaoneka, akabva akaenda mugomo kunonyengetera. 47Zvino ava madekwani chikepe chakange chiri pakati pegungwa, iye ari ega panyika. 48Zvino wakavaona vachirwadziwa nekukwasva, nokuti mhepo yakange ichipesana navo; akauya kwavari nenguva inenge seyechina yekurinda yeusiku, achifamba pamusoro pegungwa; ndokuda kuvapfuura. 49Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti chipoko, vakaridza mhere. 50Nokuti vese vakamuona, vakavhunduka; asi pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya. 51Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakakatyamara zvikuru mukati mavo zvisingaverengeki, vakashamisika. 52Nokuti vakange vasina kunzwisisa zvezvingwa, nokuti moyo wavo wakange uri mukukutu.

Jesu anoporesa vanhu paGenesareti

53Vakati vayambuka, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamahombekombe. 54Vakati vabuda muchikepe, pakarepo vakamuziva, 55vakamhanyira munharaunda iyo yese yakapoteredza, vakatanga kutenderera vakatakura vairwara pahwanyanza, kwavainzwa kuti ndiko kwaari. 56Zvino pese paakapinda pamisha kana pamaguta kana paruwa, vakaradzika varwere pamisika, vakamukumbira zvikuru kuti vabate mupendero wenguvo yake chete; uye vese vakamubata vakaponeswa.

Copyright information for Shona